Mark 13:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mukoma ucaisa munuŋuna kurufu, naɓaɓa mŋana waʋo; naʋana ʋacamukira ʋaɓereki ʋaʋo nokuʋaʋurayisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mukoma achaurayisa munun'una, uye baba vachadarowo mwana wavo. Vana vachamukira vabereki vavo uye vachavaurayisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mukoma kana munun'una vachacherana kuti mumwe auraiwe, baba vachadarowo kumwana wavo, vana vachamukira vabereki vavo vachivauraisa
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mukoma achaisa munun'una kurufu, nababa mwana wavo; navana vachamukira vabereki vavo nokuvaurayisa.
Shona 2009?
Zvino mukoma uchatengesera munun'una kurufu, nababa mwanakomana; navana vachamukira vabereki nokuvavurayisa.
Shona SUB 2002 Bible
Mukoma achaisa munun'una kurufu, nababa mwana wavo; navana vachamukira vabereki vavo nokuvaurayisa.