Mark 13:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akati kwaari: Unoʋona dzimba idzi huru? Hakuŋgaregwi ibge pamsoro pebge, risiŋgazowisirwi pasi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akapindura akati, “Uri kuona dzimba huru dzose idzi? Hapana ibwe pano richasiyiwa riri pamusoro perimwe; ose achawisirwa pasi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akamupindura achiti, “Uri kuona here mazimba mahombe aya? Hapachazosara dombo riri pamusoro perimwe, risingazokoromotserwa pasi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akati kwaari, “Unoona dzimba idzi huru? Hakungaregwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi.”
Shona 2009?
Jesu achipindura akati kwaari: Unovona zvivakwa izvi zvikuru here? hakungasiiwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akati kwaari, “Unoona dzimba idzi huru? Hakungaregwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi.”