Mark 13:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ucatuma ʋatumŋa, akaʋuŋganidza ʋakasanaŋgurwa ʋake kunobʋa mhepo inna, kubva kurutiʋi rumŋe rwenyika kuȿikira kunorumŋe rutiʋi rwokuɗeŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye achatuma vatumwa vake, vagounganidza vasanangurwa kubva kumhepo ina, kubva kumagumo enyika kusvikira kumigumo yamatenga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino iye achazotuma vatumwa vake kundokokorodza vasarudzwi vake kubva kumativi mana enyika, kubvira kwakaperera nyika yose kusvika kwakaperera denga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ipapo achatuma vatumwa, akaunganidza vakasanangurwa vake kunobva mhepo ina, kubva kurutivi rumwe rwenyika kusvikira kuno rumwe rutivi rwedenga.
Shona 2009?
ipapo uchatuma vatumwa vake, vakavunganidza pamwechete vasangangurwa vake kubva kumhepo ina, kubva kumugumo wenyika kusvikira kumugumo wokudenga.
Shona SUB 2002 Bible
“Ipapo achatuma vatumwa, akaunganidza vakasanangurwa vake kunobva mhepo ina, kubva kurutivi rumwe rwenyika kusvikira kuno rumwe rutivi rwedenga.