Mark 13:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Dzidzai pamuʋonde mufananidzo wawo; kana ɗaʋi rawo raʋa nyoro, mashizha acituŋga, munoziʋa kuti zhezha raʋa pedyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvino dzidzai chidzidzo ichi kubva pamuonde: Paunongotanga kuva namatavi manyoro uye mashizha awo otungira, munoziva kuti zhizha rava pedyo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Dzidzai chidzidzo chinobva kumuonde. Kana bazi rawo rotunga, pfumvudza yobuda, munobva maziva kuti zhizha rava pedyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Dzidzai pamuonde mufananidzo uyu; kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga, munoziva kuti zhizha rava pedyo.
Shona 2009?
Zvino dzidzai pamufananidzo womuvonde; kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga, munoziva kuti munakamwe wava pedo.
Shona SUB 2002 Bible
“Dzidzai pamuonde mufananidzo uyu; kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga, munoziva kuti zhizha rava pedyo.