Mark 13:35 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo rindai, nokuti hamuziʋi musi mŋene weimba waanoʋuya nawo, kana maɗeko, kana pakati poʋusiku, kana pakurira kwehuku, kana maŋgwanani;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Naizvozvo rindai nokuti hamuzivi musi unouya muridzi weimba, zvimwe madekwana, kana usiku, kana pakurira kwejongwe, kana mambakwedza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo rindirai nokuti hamuzivi kuti saimba anouya rini, kumanheru here, pakati pousiku kana kuti nguva yomurirakamwe kana kuti mangwanani.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi musi muridzi weimba anouya nawo, kana madeko, kana pakati pousiku, kana pakurira kwehuku, kana mangwanani;
Shona 2009?
Naizvozvo rindai imwi; nokuti hamuzivi kuti mwene weimba unovuya rinhi, manheru, kana pakati povusiku, kana pakurira kwejongwe, kana mangwanani;
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi musi muridzi weimba anouya nawo, kana madeko, kana pakati pousiku, kana pakurira kwehuku, kana mangwanani;