Mark 13:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti rudzi rucamukira rudzi, ʋushe bgucamukira ʋushe; kuɗeŋgenyika kwenyika kucaʋa’po kunedzimŋe nɀimbo; nenzara dzicaʋa’po. Ndiko kutaŋga kwenhamo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Rudzi ruchamukira rumwe rudzi, uye ushe huchamukira humwe ushe. Pachava nokudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakasiyana-siyana, uye nenzara. Izvi ndizvo zvichava kutanga kwokurwadziwa kwokusununguka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rudzi ruchamukirana norumwe rudzi noumambo huchamukirana nohumwe umambo; kuchava nokudengendeka kwapasi, munzvimbo dzakasiyana — siyana; kuchava nedzinzara. Iri rinenge riri romoromo chete ramatambudziko okusununguka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, ushe huchamukira ushe; kudengenyeka kwenyika kuchavapo kunedzimwe nzvimbo; nenzara dzichavapo. Ndiko kutanga kwenhamo.
Shona 2009?
Nokuti rudzi ruchamukira rudzi; noushe hwuchamukira ushe; uye kuchava nekudengenyika kwenyika kunzvimbo dzakasiyana-siyana, uye kuchava nenzara, nematambudziko; izvi kutanga kwekurwadziwa.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, ushe huchamukira ushe; kudengenyeka kwenyika kuchavapo kune dzimwe nzvimbo; nenzara dzichavapo. Ndiko kutanga kwenhamo.