Mark 13:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀicenjerei imi, nokuti ʋacakuisai kumakurukota, ʋuye mucarobga mumasinagoge, mucaiswa pamberi paʋaɓati namadzimambo nokuɗa kwaŋgu, ciʋe capupu kwaʋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Munofanira kugara makarinda. Muchaendeswa kumatare mugorohwa mumasinagoge avo. Muchamira pamberi pavabati napamberi pamadzimambo nokuda kwangu, sezvapupu kwavari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi imi zvingwarirei nokuti vachakukwidzai pamatare, uye mucharohwa mumasinagogu; muchamira pamberi pavatongi namadzimambo pamusana pangu kuti chive chapupu kwavari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvichenjerei imi, nokuti vachakuisai kumakurukota, uye mucharohwa mumasinagoge, muchaiswa pamberi pamadzishe namadzimambo nokuda kwangu, chive chapupu kwavari.
Shona 2009?
Zvichenjererei imwi, nokuti vachakukumikidzai kumakurukota, uye nomumasinagoge mucharohwa, muchakumikidzwa pamberi pavatongi namadzimambo nokuda kwangu, chive chapupu kwavari.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvichenjerei imi, nokuti vachakuisai kumakurukota, uye mucharohwa mumasinagoge, muchaiswa pamberi pamadzishe namadzimambo nokuda kwangu, chive chapupu kwavari.