Mark 14:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akatora mukombe, akaʋoŋga, akaʋapa, ʋakanwa ʋose pauri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akatora mukombe, akavonga akaupa kwavari, uye vose vakanwa pauri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akatorawo mukombe akatenda, ndokuupa kwavari, vakanwa vose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akatora mukombe, akavonga, akavapa, vakanwa vose pauri.
Shona 2009?
Akatora mukombe, akati avonga, akapa kwavari, vakamwa vose pauri.
Shona SUB 2002 Bible
Akatora mukombe, akavonga, akavapa, vakanwa vose pauri.