Mark 14:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jesu wakati kwaʋari: Imi mose mucagumburwa kwandiri, nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Ndicaroʋa mufudzi, namakwai acaparadzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati kwavari, “Imi mose muchapararira, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Ndicharova mufudzi, makwai agopararira.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akazoti kwavari, “Mucharasiswa mose nokuti zvakanyorwa zvichinzi, ‘Ndicharova mufudzi, hwai dzigopararira.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jesu akati kwavari, “Imi mose muchagumburwa kwandiri, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, ‘Ndicharova mufudzi, namakwai achaparadzwa.’
Shona 2009?
Zvino Jesu wakati kwavari: imwi mose muchagumburwa nokuda kwangu vusiku hwuno, nokuti kwakanyorwa \add kuchinzi\add*: Ndicharova mufudzi, makwai agopararira.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jesu akati kwavari, “Imi mose muchagumburwa kwandiri, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, ‘Ndicharova mufudzi, namakwai achapararira.’