Mark 14:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati ari paBetania, mumba maSimoni wamaperembudzi, agere pakudya, mumŋe mukadzi akaʋuya anecinu cearbastera caiʋa necizoro cenardo cakanakisa, cinomuteŋgo mukuru; akaputsa cinu cearbastera, akaciɗurura pamusoro wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye paakanga ari muBhetani, agere pakudya mumba momumwe murume ainzi Simoni waMaperembudzi, mumwe mukadzi akauya nechinu chamafuta earabhasita, mafuta anokosha kwazvo, akanga akaitwa nenaridho yakaisvonaka. Akaputsa chinu akadururira mafuta mumusoro wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino Jesu zvaakanga agere pakudya mumba maSimoni wamaperembudzi kuBhetania, kwakauya mumwe mukadzi nechinu chomunyakwe wearabhasita, chiine mafuta okuzora aiva enadhi chaiyo, anokosha kwazvo. Akabedura chinu chiya akadira mafuta mumusoro maJesu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati ari paBhetania, mumba maSimoni wamaperembudzi, agere pakudya, mumwe mukadzi akauya ane chinu chearibhasitera chaiva namafuta chenaridho chakanakisa, chinomutengo mukuru; akaputsa chinu chearibhasitera, akachidurura mumusoro wake.
Shona 2009?
Zvino wakati ari paBhetaniya, mumba maSimoni wamaperembudzi, agere pakudya, kwakavuya mumwe mukadzi, anechinu chearibhasiteri* chechizoro chenaridho* chakakosha zvikuru; akaputsa chinu chearibhsiteri, akachidurura pamusoro wake.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati ari paBhetania, mumba maSimoni wamaperembudzi, agere pakudya, mumwe mukadzi akauya ane chinu chearibhasitera chaiva namafuta chenaridho chakanakisa, chinomutengo mukuru; akaputsa chinu chearibhasitera, akachidurura mumusoro wake.