Mark 14:36 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati: Aba, Ƃaɓa, ɀose ɀinobvira kwamuri, bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kuɗa kwaŋgu ŋgakurege kuitwa, asi kuɗa kwenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati, “Abha, Baba, zvinhu zvose zvinogoneka kwamuri. Bvisai mukombe uyu kwandiri. Asi kwete kuda kwangu, asi kuda kwenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akati, “Abba, baba, kwamuri zvose zvinogoneka, bvisai mukombe wamatambudziko uyu pandiri, asi kusave kuda kwangu, asi kuda kwenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati, “Baba, Baba, zvose zvinobvira kwamuri, bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kuda kwangu ngakurege kuitwa, asi kuda kwenyu.”
Shona 2009?
Zvino akati: Abha*, Baba, zvinhu zvose zvinogoneka kwamuri. bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kwete zvandinoda ini, asi zvamunoda imwi.
Shona SUB 2002 Bible
Akati, “Baba, Baba, zvose zvinobvira kwamuri, bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kuda kwangu ngakurege kuitwa, asi kuda kwenyu.”