Mark 14:37 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino akaȿika, akaʋawana ʋaʋata; akati kunaPetro: Simoni, uʋete here? Wakaŋga usiŋgagoni kurinda ŋguʋa imŋe cete here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akadzokazve kuvadzidzi vake akavawana vavete. Akati kuna Petro, “Wavata here? Wanga usingagoni kurinda kwenguva imwe here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akadzoka akavawana vatokotsira ndokuti kuna Pita, “Nhai Simoni watokotsira zvako here? Watadza kugarira kweawa imwechete?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akasvika, akavawana vavata; akati kuna Petirosi, “Simoni, uvete here? Wakanga usingagoni kurinda nguva imwechete here?
Shona 2009?
Zvino akasvika, akavawana vavete; akati kunaPetro: Simoni, uvete here? Wakonewa kurinda awa rimwe here?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akasvika, akavawana vavata; akati kuna Petirosi, “Simoni, uvete here? Wakanga usingagoni kurinda nguva imwechete here?