Mark 14:40 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaenda ɀe, akaʋawana ʋaʋata, nokuti meso aʋo akaŋga aɓatwa nehope kwaɀo; ʋakasaziʋa ɀaʋaŋgamupindura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Paakadzoka, akawanazve vavete, nokuti meso avo akanga aremerwa nehope. Havana kuziva chokutaura kwaari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akadzokazve ndokuvawana vakotsira nokuti hope dzakanga dzavabata zvikuru uye vakashaya chokumupindura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaendazve, akavawana vavata, nokuti meso avo akanga abatwa nehope kwazvo; vakasaziva zvavangamupindura.
Shona 2009?
Zvino paakadzoka, akavawana vavatazve, nokuti meso avo akanga orema kwazvo; vakasaziva zvavangamupindura.
Shona SUB 2002 Bible
Akaendazve, akavawana vavata, nokuti meso avo akanga abatwa nehope kwazvo; vakasaziva zvavangamupindura.