Mark 14:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti cizoro ici ciŋgaɗai cateŋgeswa namadenari anopfuʋura mazana matatu, akapiwa ʋarombo. Ʋakatsamŋira mukadzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Angadai atengeswa nomutengo uno mubayiro kupfuura wegore rose, uye mari yacho yapiwa kuvarombo.” Uye vakatsiura mukadzi uyu nehasha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mafuta aya angadai atengeswa madhenari anodarika mazana matatu, mari yacho ichipiwa varombo.” Vakapopotera mukadzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti mafuta oga angadai atengeswa namadhenari anopfuura mazana matatu, akapiwa varombo. Vakatsamwira mukadzi.”
Shona 2009?
Nokuti chingadai chatengeswa namadhenari* anopfuvura mazana matatu, akapiwa varombo. Vakamutsutsumwira.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti mafuta oga angadai atengeswa namadhinari anopfuura mazana matatu, akapiwa varombo. Vakatsamwira mukadzi.”