Mark 14:61 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi iye wakaramba anyerere, asiŋgapinduri cinhu. Muprista mukuru akamubvunza ɀe, akati kwaari: Ndiwe Kristu, Mŋanakomana wounokudzwa here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Jesu akaramba anyerere uye akasapindura. Muprista mukuru akamubvunzazve achiti, “Ndiwe Kristu here, Mwanakomana waIye Akaropafadzwa?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Jesu akaramba akanyarara, haana kumbopindura chinhu. Mupristi mukuru akamubvunza zvakare achiti, “Ndiwe Mesia here, Mwanakomana waNyakurumbidzwa?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi iye akaramba anyerere, asingapinduri chinhu. Mupristi mukuru akamubvunzazve, akati kwaari, “Ndiwe Kristu, Mwanakomana woAnokudzwa here?”
Shona 2009?
Asi iye wakanyarara, akasapindura chinhu. Muprista mukuru akamubvunzazve, akati kwaari: Ndiwe Kristu, Mwanakomana wowakaropafadzwa here?
Shona SUB 2002 Bible
Asi iye akaramba anyerere, asingapinduri chinhu. Mupristi Mukuru akamubvunzazve, akati kwaari, “Ndiwe Kristu, Mwanakomana woAnokudzwa here?”