Mark 14:65 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋamŋe ʋakataŋga kumupfira mate, ʋakafukidza meso ake, ʋakamuroʋa netsiʋa, ʋaciti kwaari: Profita; naʋatariri ʋakamuroʋa namaʋoko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vamwe vakatanga kumupfira mate; vakamusunga kumeso, vakamurova nezvibhakera, vachiti, “Profita!” Uye varindi vakamutora vakamurova.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vamwe vakatanga kumupfira mate vachimufukidza kumeso, nokumurova nembama vachiti, “Porofita.” Mapurisawo akamugama nembama.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vamwe vakatanga kumupfira mate, vakafukidza meso ake, vakamurova netsiva, vachiti kwaari, “Porofita; navatariri vakamurova namaoko.”
Shona 2009?
Vamwe vakatanga kumupfira, vakafukidza chiso chake, vakamurova netsiva, vachiti kwaari: Porofita; navaranda vakamurova nembama dzamavoko avo.
Shona SUB 2002 Bible
Vamwe vakatanga kumupfira mate, vakafukidza meso ake, vakamurova netsiva, vachiti kwaari, “Porofita; navatariri vakamurova namaoko.”