Mark 14:69 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mushandiri akamuʋona, akataŋga ɀe kureʋa kunaʋakaŋga ʋari’po, aciti: Uyu ndo mumŋe waʋo!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati aonekwazve nomusikana uyu aiva murandakadzi, musikana akatizve kuna avo vakanga vamirepo, “Munhu uyu ndomumwe wavo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvakare musikana webasa uya zvaakamuona akatangazve kutaurira vakanga vamirepo achiti, “Murume uyu mumwe wavo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino murandasikana akamuona, akatangazve kureva kunavakanga varipo, achiti, “Uyu ndomumwe wavo!”
Shona 2009?
Zvino murandakadzi akamuvonazve, akatanga kuti kunavakanga vamirepo\add:\add* Uyu ndowavo!
Shona SUB 2002 Bible
Zvino murandasikana akamuona, akatangazve kureva kuna vakanga varipo, achiti, “Uyu ndomumwe wavo!”