Mark 14:70 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi iye wakaramba ɀe. Ŋguʋa ɗuku yakati yapfuʋura, ʋakaŋga ʋamire’po ʋakati ɀe kunaPetro: Ɀirokwaɀo, uri mumŋe waʋo, nokuti newe ʋo uri muGarirea.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye akarambazve izvozvo. Mushure menguva pfupi, vaya vakanga vamirepo vakati kuna Petro, “Chokwadi, iwe uri mumwe wavo, nokuti uri muGarirea.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi iye akazvirambazve. Kwapera chinguvana chidukuduku vaya vakanga vamirepo vakatizve kuna Pita, “Zvechokwadi uri mumwe wavo iwe nokuti uri wokuGarirea.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi iye akarambazve. Nguva duku yakati yapfuura, vakanga vamirepo vakatizve kuna Petirosi, “Zvirokwazvo, uri mumwe wavo, nokuti newewo uri muGariria.”
Shona 2009?
Asi iye wakarambazve. Zvino nguva duku yakati yapfuvura, vakanga vamirepo vakatizve kuna Petro: Zvirokwazvo, uri wavo, nokuti iwe uri muGariri nomutauriro wako unotenderana \add nazvo\add*.
Shona SUB 2002 Bible
Asi iye akarambazve. Nguva duku yakati yapfuura, vakanga vamirepo vakatizve kuna Petirosi, “Zvirokwazvo, uri mumwe wavo, nokuti newewo uri muGareriya.”