Mark 14:72 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pakarepo joŋgwe rikarira rwecipiri; ipapo Petro akaraŋgarira shoko rakaŋga rarebga kwaari naJesu rokuti: Joŋgwe risati rarira kaʋiri, ucandiramba katatu. Ɀino wakati acifuŋga iɀoɀo, akacema.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pakarepo jongwe rakarira kechipiri. Ipapo Petro akarangarira shoko raJesu raakanga ataura kwaari achiti, “Jongwe risati rarira kaviri uchandiramba katatu.” Akawira pasi uye akachema.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakarepo jongwe rakabva rakukuridza kechipiri. Ipapo Pita akayeuka zvakanga zvataurwa naJesu zvokuti, “Jongwe risati rarira kaviri uchandiramba katatu.” Akabva atanga kuchema zvinosiririsa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pakarepo jongwe rikarira rwechipiri; ipapo Petirosi akarangarira shoko rakanga rarehwa kwaari naJesu rokuti, “Jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.” Zvino akati achifunga izvozvo, akachema.
Shona 2009?
Zvino jongwe rikarira rwechipiri. Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rarehwa kwaari naJesu \add rokuti\add*: Jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu. Zvino wakati achifunga izvozvo, akachema.
Shona SUB 2002 Bible
Pakarepo jongwe rikarira rwechipiri; ipapo Petirosi akarangarira shoko rakanga rarehwa kwaari naJesu rokuti, “Jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.” Zvino akati achifunga izvozvo, akachema.