Mark 15:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaprista ʋakuru ʋakakurudzira ʋanhu ʋazhinji, kuti ʋakumbire kuti ɀirinani aʋasunuŋgurire Barabasi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi vaprista vakuru vakamutsa mwoyo yavazhinji kuti vaite kuti Pirato asunungure Bharabhasi pachinzvimbo chaJesu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi vapristi vakuru vakapesvera vanhu kuti avasunungurire zvavo Bharabhasi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vapristi vakuru vakakurudzira vanhu vazhinji, kuti vati zviri nani avasunungurire Bharabhasi.
Shona 2009?
Zvino vaprista vakuru vakakurudzira chaunga kuti zvirinani avasunungurire Barabhasi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vapristi vakuru vakakurudzira vanhu vazhinji, kuti vati zviri nani avasunungurire Bharabhasi.