Mark 15:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋarwi ʋakamuisa mukati moruʋazhe, imo muimba yomuɓati, ʋakaʋuŋganidza hondo yose;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varwi vakatora Jesu vakapinda naye mumuzinda wainzi Piritoriamu uye vakaunganidza pamwe chete ungano yose yavarwi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Masoja akaenda naJesu munhandare, mumuzinda womutongi wacho wainzi (Pretoriumu,) vakaunganidza boka rose ramasoja.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino varwi vakamuisa mukati moruvazhe, imo muimba yomubati, vakaunganidza hondo yose;
Shona 2009?
Zvino varwi vakamuisa mukati moruvazhe, rweimba yomubati, vakavunganidza hondo yose;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino varwi vakamuisa mukati moruvazhe, imo mumba yomubati, vakaunganidza hondo yose;