Mark 15:36 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mumŋe wakamhanya, akazadza cipanje nevinega, akaciisa parutsaŋga, ndokumunwisa, aciti: Regai timboʋona kana Eria acizoʋuya kumuɓurusa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwe murume akamhanya, akazadza chipanje newaini yaivava, akaisa parutanda, akaipa kuna Jesu kuti anwe, akati “Muregei zvino. Regai tione kana Eria achiuya kuti azomuburutsa.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo mumwe akamhanya akanyika chifovefove muwaini inovava dzamara chazara ndokuchitungirira parutsanga ndokumupa kuti anwe vachiti, “Mirai tione kana Eriya achiuya kuzomuburutsa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mumwe akamhanya, akazadza chipanje nevhiniga, achiisa parutsanga, ndokumunwisa, achiti, “Regai timboona kana Eria achizouya kumuburusa.”
Shona 2009?
Ipapo mumwe wakamhanya, akazadza chipanje nevhiniga, akaisa parutsanga, akamupa kuti amwe, achiti: Regai timboona kana Eria achizovuya kumuburusa.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mumwe akamhanya, akazadza chipanje nevhiniga, achiisa parutsanga, ndokumunwisa, achiti, “Regai timboona kana Eriya achizouya kumuburusa.”