Mark 15:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pirato akamubvunza ɀe akati: Haupinduri cinhu here? Cinzwa, ʋanokupomera ɀizhinji seiko!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Pirato akabvunzazve akati, “Ko, haupinduri here? Tarira kuwanda kwezvinhu zvavanokupomera.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pirato akamubvunzazve achiti, “Ko hauna chaunopindura here? Inzwa kuti vanokupomera mhosva dzakawanda sei?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pirato akamubvunzazve akati, “Haupinduri chinhu here? Chinzwa, vanokupomera zvizhinji seiko!”
Shona 2009?
Pirato akamubvunzazve achiti: Haupinduri chinhu here? Tarira, zvinhu zvinganiko zvavanokupomera!
Shona SUB 2002 Bible
Pirato akamubvunzazve akati, “Haupinduri chinhu here? Chinzwa, vanokupomera zvizhinji seiko!”