Mark 16:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pashure wakaɀiratidza kunaʋanegumi nomumŋe, ʋagere pakudya; akaʋapa mhaka pamsoro pokusatenda kwaʋo noʋukukutu bgemŋoyo yaʋo, nokuti haʋana‐kutenda ʋaya ʋakaŋga ʋamuʋona amuka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mushure maizvozvo Jesu akazviratidza kuna vane gumi nomumwe pavakanga vachidya; akavatsiura pamusoro pokusatenda kwavo uye nokusindimara kwemwoyo yavo pakuramba kutenda vaya vakanga vamuona mushure mokumuka kwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pashure Jesu akazviratidza kuna vane gumi nomumwechete vari pakudya. Akavashora pamusana pokusatenda kwavo napamusana poukukutu hwomoyo yavo nokuti havana kutenda vakanga vamuona mushure mokumuka kwake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pashure wakazviratidza kuna vane gumi nomumwe, vagere pakudya; akavapa mhaka pamusoro pokusatenda kwavo noukukutu hwemwoyo yavo, nokuti havana kutenda vaya vakanga vamuona amuka.
Shona 2009?
Pashure wakazviratidza kunavanegumi nomumwe vagere pakudya, akavasvora nokusatenda kwavo novukukutu hwemoyo, nokuti havana kutenda vaya vakanga vamuvona amuka.
Shona SUB 2002 Bible
Pashure wakazviratidza kuna vane gumi nomumwe, vagere pakudya; akavapa mhaka pamusoro pokusatenda kwavo noukukutu hwemwoyo yavo, nokuti havana kutenda vaya vakanga vamuona amuka.