Mark 16:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaɓuɗa, ʋakatiza ʋacibʋa pabgiro, nokuti ʋakaŋga ʋaɓatwa nokuɗeɗera nokushamiswa; ʋakasaʋudza munhu cinhu, nokuti ʋakaŋga ʋacitya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vachibvunda uye vachishamiswa, vakabuda vakatiza kubva muguva. Havana chavakataura kuno munhu, nokuti vakanga vachitya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakabuda ndokutiza paguva paya nokuti vakanga vava kudedera uye vakashamiswa kwazvo. Hapana wavakaudza chinhu, nokuti vakanga vava kutya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakabuda, vakatiza vachibva pabwiro, nokuti vakanga vabatwa nokudedera nokushamiswa; vakasaudza munhu chinhu, nokuti vakanga vachitya. [
Shona 2009?
Vakabuda nokukurumidza vakatiza pahwiro; nokuti vakanga vabatwa nokudedera nokushamiswa; vakasataura chinhu kuna ani zvake, nokuti vakanga vachitya.
Shona SUB 2002 Bible
Vakabuda, vakatiza vachibva pahwiro, nokuti vakanga vabatwa nokudedera nokushamiswa; vakasaudza munhu chinhu, nokuti vakanga vachitya. [