Mark 16:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati amuka maŋgwanani nomusi wokutaŋga weviki, akaɀiratidza pakutaŋga kunaMaria Magdarene, waakaŋga aɓuɗisa mŋeya yakaipa minomŋe kwaari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati amuka mangwanani nezuva rokutanga revhiki, akatanga kuzviratidza kuna Maria Magadharena, uya waakanga abudisa kubva maari mweya yakaipa minomwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti amuka muvafi mangwanani nomusi weSvondo akazviratidza pokutanga kuna Maria Magadharena, uya waakabvisa mweya yakaipa minomwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati amuka mangwanani nomusi wokutanga wevhiki, akazviratidza pakutanga kuna Maria Magadharina, waakanga abudisa mweya yakaipa minomwe kwaari.
Shona 2009?
Zvino wakati amuka mangwanani nowokutanga wevhiki, wakavonekwa pakutanga kunaMaria Magidharini, waakanga abudisa mweya yakaipa minomwe kwaari.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati amuka mangwanani nomusi wokutanga wevhiki, akazviratidza pakutanga kuna Maria Magadharina, waakanga abudisa mweya yakaipa minomwe kwaari.