Mark 2:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pakarepo akasimuka, akatora nhoʋo, ndokuɓuɗa pamberi paʋo ʋose; naiɀoɀo ʋose ʋakashamiswa, ʋakarumbidza Mŋari, ʋaciti: Hatina‐kumboʋona ɀakaɗai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akasimuka kubva panhoo yake, akatora nhoo yake akafamba akabuda vose vachizviona. Izvi zvakashamisa munhu wose uye vakarumbidza Mwari vachiti, “Hatina kumboona chinhu chakadai!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakarepo munhu uya akati kwanyanu kusimuka, akatora rukukwe rwake akabuda vose vachiona, zvokuti vose vakashamiswa, vakarumbidza Mwari vachiti, “Aiwaiwa, hatisati tamboona zvakadai kwete.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pakarepo akasimuka, akatora nhoo, ndokubuda pamberi pavo vose; naizvozvo vose vakashamiswa, vakarumbidza Mwari, vachiti, “Hatina kumboona zvakadai.”
Shona 2009?
Zvino pakarepo akasimuka, akatora nhovo, ndokubuda pamberi pavo vose; zvokuti vose vakashamiswa, vakarumbidza Mwari, vachiti: Hatina kumbozvivona zvakadai.
Shona SUB 2002 Bible
Pakarepo akasimuka, akatora nhoo, ndokubuda pamberi pavo vose; naizvozvo vose vakashamiswa, vakarumbidza Mwari, vachiti, “Hatina kumboona zvakadai.”