Mark 2:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakaɓuɗa ɀe akaenda kuguŋgwa; ʋazhinji ʋose ʋakaʋuya kwaari, akaʋadzidzisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jesu akabudazve akaenda kugungwa. Vanhu vazhinji zhinji vakauya kwaari uye akatanga kuvadzidzisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino Jesu akabvapo oendazve pedyo negungwa, gungano ravanhu rakauya kwaari akavadzidzisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akabudazve akaenda kugungwa; vazhinji vose vakauya kwaari, akavadzidzisa.
Shona 2009?
Wakabudazve \add akaenda\add* kurutivi rwegungwa, chaunga chose chikavuya kwaari, akachidzidzisa.
Shona SUB 2002 Bible
Akabudazve akaenda kugungwa; vazhinji vose vakauya kwaari, akavadzidzisa.