Mark 2:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakati acipfuʋura, akaʋona Revi, mŋanakomana waArfeo, agere panotereswa, akati kwaari: Nditeʋere. Akasimuka, akamuteʋera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Paaifamba achitevedza gungwa, akaona Revhi mwanakomana waArifiasi agere paitererwa mutero. Jesu akati kwaari, “Nditevere,” ipapo Revhi akasimuka akamutevera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino akati achipfuura, akaona Revhi, mwanakomana waArifeo agere pahofisi yomutero akati kwaari, “Nditevere.” Iye akasimuka ndokumutevera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati achipfuura, akaona Revhi, mwanakomana waArifeo, agere panotereswa, akati kwaari, “Nditevere.” Akasimuka, akamutevera.
Shona 2009?
Wakati achipfuvura, akavona Revhi waArifiyosi agere panogamuchirwa mutero, akati kwaari: Nditevere. Akasimuka akamutevera.
Shona SUB 2002 Bible
Akati achipfuura, akaona Revhi, mwanakomana waArifeusi, agere panotereswa, akati kwaari, “Nditevere.” Akasimuka, akamutevera.