Mark 2:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati agere pakudya mumba make, ʋateresi ʋazhinji naʋatadzi ʋakagara naJesu naʋadzidzi ʋake; nokuti ʋakaŋga ʋari ʋazhinji ʋaimuteʋera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu paakanga achidya kudya kwamanheru paimba yaRevhi, vateresi vazhinji na“vatadzi” vakanga vachidya naye, uye navadzidzi vake, nokuti kwaiva navazhinji vaimutevera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino paakanga agere pakudya mumba maRevhi, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakagara pasi vachidya naJesu navadzidzi vake nokuti vaimutevera vakanga vakawanda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati agere pakudya mumba make, vateresi vazhinji navatadzi vakagara naJesu navadzidzi vake; nokuti vakanga vari vazhinji vaimutevera.
Shona 2009?
Zvino zvakaitika kuti wakati agere pakudya mumba make, vateresi vazhinji navatadzi vakagaravo pamwechete naJesu navadzidzi vake nokuti vakanga vari vazhinji vakamutevera.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati agere pakudya mumba make, vateresi vazhinji navatadzi vakagara naJesu navadzidzi vake; nokuti vakanga vari vazhinji vaimutevera.