Mark 2:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋanyori naʋaFarise ʋakati ʋacimuʋona acidya naʋatadzi naʋateresi, ʋakati kuʋadzidzi ʋake: Mudzidzisi unodyireiko naʋateresi naʋatadzi?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vadzidzisi vomurayiro, ivo vaFarisi vakati vachimuona achidya na“vatadzi” uye navateresi, vakabvunza vadzidzi vake vakati, “Seiko achidya navateresi uye na‘vatadzi’?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dzimwe nyanzvi dzoMutemo dzebato ravaFarisei padzakamuona achidya navatadzi navateresi, dzakati kuvadzidzi vake, “Seiko mudzidzisi wenyu achidya navateresi navatadzi?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vanyori navaFarisi vakati vachimuona achidya navatadzi navateresi, vakati kuvadzidzi vake, “Mudzidzisi anodyireiko navateresi navatadzi?”
Shona 2009?
Zvino vanyori navaFarisi vakati vamuvona achidya navateresi navatadzi, vakati kuvadzidzi vake: Nemhaka yeiko achidya nokumwa navateresi navatadzi?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vanyori naVaFarisi vakati vachimuona achidya navatadzi navateresi, vakati kuvadzidzi vake, “Mudzidzisi anodyireiko navateresi navatadzi?”