Mark 2:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋadzidzi ʋaJohane naʋaFarise ʋakaŋga ʋaciɀinyima ɀokudya; ʋakaʋuya ʋakati kwaari: Ʋadzidzi ʋaJohane naʋadzidzi ʋaʋaFarise ʋanoɀinyimireiko ɀokudya, asi ʋadzidzi ʋenyu haʋaɀinyimi neiko?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino vadzidzi vaJohani navaFarisi vakanga vachitsanya. Vamwe vanhu vakauya vakabvunza Jesu vakati, “Sei vadzidzi vaJohani navadzidzi vavaFarisi vachitsanya, asi venyu vasingatsanyi?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino vadzidzi vaJohani navaFarisei vakanga vachitsanya. Vanhu ndokuuya kwaari ndokuti, “Seiko vadzidzi vaJohani navadzidzi vavaFarisei vachitsanya asi vadzidzi venyu vasingatsanyi?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vadzidzi vaJohani navaFarisi vakanga vachizvinyima zvokudya; vakauya vakati kwaari, “Vadzidzi vaJohani navadzidzi vavaFarisi vanozvinyimireiko zvokudya, asi vadzidzi venyu havazvinyimi neiko?”
Shona 2009?
Zvino vadzidzi vaJohwani navavaFarisi vaigara vachitsanya; vakavuya vakati kwaari: Nemhaka yeyi vadzidzi vaJohwani navadzidzi vavaFarisi vachitsanya asi vadzidzi venyu havatsanyi?
Shona SUB 2002 Bible
Vadzidzi vaJohani naVaFarisi vakanga vachizvinyima zvokudya; vakauya vakati kwaari, “Vadzidzi vaJohani navadzidzi vaVaFarisi vanozvinyimireiko zvokudya, asi vadzidzi venyu havazvinyimi neiko?”