Mark 2:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hakunomunhu unosonera ciremo citȿa paŋguʋo yakasakara, nokuti ciremo citȿa cinobvarura ŋguʋo yakasakara, ʋuri rikanyanya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Hakuna munhu anoisa chigamba chitsva panguo tsaru. Kana akadaro, chigamba chitsva chichabvarura chitsaru, zvoita kuti buri racho rinyanye kukura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hakuna munhu anosonerera chiremo chejira idzva pahanzu tsaru; kana akadaro, chiremo chitsva chinobvarura hanzu tsaru, ikabva yanyanya kubvaruka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Hakuna munhu anosonera chiremo chitsva panguo yakasakara, nokuti chiremo chitsva chinobvarura nguo yakasakara, buri rikanyanya.
Shona 2009?
Hakuna munhu unosoneravo chigamba chitsva panguvo yakashakara zvimwe chigamba chitsva chinoiswa chinobvarura nguvo yakashakara vuri rikanyanya.
Shona SUB 2002 Bible
“Hakuna munhu anosonera chiremo chitsva panguo yakasakara, nokuti chiremo chitsva chinobvarura nguo yakasakara, buri rikanyanya.