Mark 2:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati kwaʋari: Hamuna‐kuraʋa here ɀakaitwa naDavidi, musi waakaŋga ashaiwa, aziya, iye naʋakaŋga ʋanaye?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akapindura akati, “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi iye navamwe vake pavakanga vashayiwa zvokudya uye vonzwa nzara?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akavapindura achiti, “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi, zviya zvaakanga asina chokudya, oziya nenzara iye navaiva naye,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati kwavari, “Hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi, musi waakanga ashaiwa zvokudya, aziya, iye navakanga vanaye?
Shona 2009?
Akati kwavari: Hamuna kutomborava here zvakaitwa naDhavhidhi, musi waakanga ashaiwa, ava nenzara, iye navakanga vanaye?
Shona SUB 2002 Bible
Akati kwavari, “Hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi, musi waakanga ashaiwa zvokudya, aziya, iye navakanga vanaye?