Mark 2:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kuti wakapinda mumba maMŋari, Abiatari ari muprista mukuru, akadya ɀiŋgwa ɀokuratidza ɀakaŋga ɀisina‐kutenderwa kudyiwa, asi naʋaprista ʋoga, akapa ʋo ʋaiʋa naye?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumazuva aAbhiatari muprista mukuru, akapinda mumba maMwari akadya chingwa chakatsaurwa, chinongotenderwa kudyiwa navaprista chete. Uye akapawo vamwe vaaiva navo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kupinda kwaakaita mumba yaMwari, apo Abhiyatari akanga ari mupristi mukuru akadya zvingwa zvakasumwa kuna Mwari, zvisingabvumirwi kudyiwa naani zvake kunze kwavapristi voga akapawo vaaiva navo?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kuti akapinda mumba maMwari, Abhiatari ari mupristi mukuru, akadya zvingwa zvokuratidza Mwari zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa, asi navapristi voga, akapawo vaiva naye?”
Shona 2009?
Kuti wakapinda sei mumba maMwari namazuva aAbhiatari muprista mukuru, akadya zvingwa zvokuratidza zvakanga zvisiri pamutemo kudyiwa asi navaprista \add voga\add*, akapavo kwavari vaaiva naye?
Shona SUB 2002 Bible
Kuti akapinda mumba maMwari, Abhiatari ari Mupristi Mukuru, akadya zvingwa zvokuratidza Mwari zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa, asi navapristi voga, akapawo vaiva naye?”