Mark 2:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋasiŋgagoni kusweɗera kwaari nokuɗa kwaʋazhinji, ʋakazarura ɗeŋga paakaŋga ari; ʋakati ʋariputsa, ʋakaɓurusa nhoʋo, pakaŋga paʋete munhu wakaŋga akafa mitezo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sezvo vakanga vasingagoni kusvika naye kuna Jesu nokuda kwokuwanda kwavanhu, vakazarura denga reimba pamusoro paJesu uye, vakati variputsa, vakaburutsa nhoo pakanga pavete uya munhu akanga akafa mutezo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sezvo vakanga vasingagoni kusvika naye paari, pamusana pokuwanda kwavanhu, vakaita buri padenga remba nechapamusoro pake. Pavakanga vaita gwanza vakadzikisa uvato huya hwakanga hurere munhu akatonhora mitezo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vasingagoni kuswedera kwaari nokuda kwavazhinji, vakazarura denga paakanga ari; vakati variputsa, vakaburusa nhoo, pakanga pavete munhu akanga akafa mitezo;
Shona 2009?
Zvino vakati vachikonewa kusvika pedo naye nokudzvinyidzirwa, vakazarura denga paakanga ari, vakati va\add ri\add*putsa vakaburusira nhovo yakanga ivete munhu wakanga akawoma mitezo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vasingagoni kuswedera kwaari nokuda kwavazhinji, vakazarura denga paakanga ari; vakati variputsa, vakaburusa nhoo, pakanga pavete munhu akanga akafa mitezo;