Mark 2:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Cinyiko cakareruka, kuti kunowakafa mitezo: Wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako, kana kuti: Simuka, tora nhoʋo dzako, ufambe?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndezvipiko zvakareruka: Kuti kuno wakafa mutezo, ‘Zvivi zvako zvaregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka, tora nhoo yako ufambe?’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chakareruka ndechipi kuti kumunhu akatonhora mitezo, ‘Zvitadzo zvako zvaregererwa.’ Kana kuti, ‘Simuka utore uvato hwako ufambe.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Chakareruka ndechipiko, kuti kunowakafa mitezo, ’Waregererwa zvivi zvako,‘ kana kuti, ‘Simuka, tora nhoo dzako, ufambe?’
Shona 2009?
Chinyiko chakareruka, kuti kunowakawoma mitezo: Zvivi zvako zvakangamwirwa, kana kuti: Simuka, utore nhovo dzako, ufambe?
Shona SUB 2002 Bible
Chakareruka ndechipiko, kuti kunowakafa mitezo, ‘Waregererwa zvivi zvako,’ kana kuti, ‘Simuka, tora nhoo dzako, ufambe?’