Mark 3:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Hakunomunhu uŋgapinda mumba mounesimba, akatora nhumbi dzake, asati ambosuŋga unesimba; ɀino uŋgaparadza imba yake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zviripo ndezvokuti, hakuna munhu angapinda mumba momunhu ane simba uye akatakura zvinhu zvake, kana asina kutanga asunga murume wacho ane simba. Ipapo angagona kupamba imba yake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hakuna munhu angapinde mumba merume rine simba kuti aripambe zvinhu zvaro kusatoti atanga arisunga ndokuzopamba zvemba yaro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Hakuna munhu angapinda mumba moane simba, akatora nhumbi dzake, asati ambosunga anesimba; zvino angaparadza imba yake.
Shona 2009?
Hakuno munhu ungapinda mumba momurume unesimba, akapamba nhumbi dzake, kunze kokuti ambosunga murume unesimba, zvino ungapamba imba yake.
Shona SUB 2002 Bible
“Hakuna munhu angapinda mumba moane simba, akatora nhumbi dzake, asati ambosunga ane simba; zvino angaparadza imba yake.