Mark 3:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, ʋanakomana ʋaʋanhu ʋacakaŋganwirwa ɀiʋi ɀose, nokumhura kwose kwaʋanomhura Mŋari nako;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinokuudzai chokwadi kuti zvivi zvose nokumhura kwavanhu kwose zvicharegererwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, zvitadzo zvose nokushonha Mwari kwose kunoregererwa vanhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vanakomana vavanhu vacharegererwa zvivi zvose, nokushonha kwose kwavanoshonha Mwari nako;
Shona 2009?
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvivi zvose zvichakangamwirwa vanakomana vavanhu, nokumhura Mwari kose kwavanomhura Mwari nako;
Shona SUB 2002 Bible
“Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vanakomana vavanhu vacharegererwa zvivi zvose, nokushonha kwose kwavanoshonha Mwari nako;