Mark 3:34 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino akariŋga‐riŋga ʋanhu ʋakaŋga ʋagere, ʋakamukomba, akati: Tarirai mai ʋaŋgu naʋanuŋuna ʋaŋgu!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akatarisa kuna avo vakanga vagere vakaita denderedzwa vakamupoteredza akati, “Ava ndivo mai vangu navanun'una vangu!
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndokuringa — ringa vaya vakanga vagere vakamukomberedza, ndokuti, “Ava ndivo amai vangu navakoma navanun'una vangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akaringa-ringa vanhu vakanga vagere, vakamukomba, akati, “Tarirai mai vanhu navakoma navanun'una vangu!
Shona 2009?
Zvino akaringa-ringa avo vakanga vagere vakamukomba akati: Tarirai mai vangu navana vamai vangu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akaringa–ringa vanhu vakanga vagere, vakamukomba, akati, “Tarirai mai vanhu navakoma navanun'una vangu!