Mark 3:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati ariŋga‐riŋga aciʋatarira nokutsamŋa, aneshuŋgu nokuɗa kwokuwoma kwemŋoyo yaʋo, akati kumunhu: Tambanudza ruʋoko rwako. Akarutambanudza, ruʋoko rwake rukaʋandudzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Atsamwa, akatarisa vanhu vose vakanga vakamukomberedza, uye ashungurudzwa nokuda kwokusindimara kwemwoyo yavo akati kumunhu, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza, uye ruoko rwake rukaporeswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino iye akaringa — ringa achivatarisa nehasha, achisiririswa nokuomarara mwoyo kwavo, ndokuti kumunhu uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Iye ndokutambanudza, ruoko rwake rukabva rwatwasanuka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati aringa-ringa achivatarira nokutsamwa, ane shungu nokuda kwokuoma kwemwoyo yavo, akati kumunhu, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza, ruoko rwake rukapora.
Shona 2009?
Zvino wakati aringa-ringa kwavari, achivatarira nokutsamwa, ane shungu nokuda kokuwoma kwemoyo yavo; akati kumunhu: Tambanudza ruvoko rwako. Akatambanudza ruvoko rwake rukaporeswa rukava sorumwe.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati aringa–ringa achivatarira nokutsamwa, ane shungu nokuda kwokuoma kwemwoyo yavo, akati kumunhu, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza, ruoko rwake rukapora.