Mark 3:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
neJerusarema, neIdumea, nemhiri kwaJoridani, noku nyika yeTireneSidoni, ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakati ʋanzwa ɀaanoita, ʋakaʋuya kwaari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati vanzwa zvose zvaakanga achiita, vanhu vazhinji vakauya kwaari vachibva kuJudhea, Jerusarema, Idhumea, uye namatunhu ari mhiri kweJorodhani, neakapoteredza Tire neSidhoni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
neJerusaremu, neIdhumia; nokumhiri kwaJorodhani nokunharaunda yeTire neyeSidhoni, chita chikuru chavanhu vakanga vanzwa zvose zvaaiita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
neJerusaremu, neIdhumia, nemhiri kwaJorodhani, nokunyika yeTire neSidhoni, vanhu vazhinji-zhinji vakati vanzwa zvaanoita, vakauya kwaari.
Shona 2009?
neJerusarema, neIdhumeya, nemhiri kwaJoridhani navakapoteredza Tire neSidhoni; chaunga chikuru, chakati chanzwa zvinhu zvikuru zvaanoita chikavuya kwaari.
Shona SUB 2002 Bible
neJerusaremu, neIdhumia, nemhiri kwaJodhani, nokunyika yeTaya neSidhoni, vanhu vazhinji zhinji vakati vanzwa zvaanoita, vakauya kwaari.