Mark 3:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaʋudza ʋadzidzi ʋake kuti kagwa kamugarire nokuɗa kwaʋazhinji, kuti ʋarege kumumanikidza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaudza vadzidzi vake kuti vamuswededzere igwa duku, kuitira kuti vanhu varege kumutsikirira nokuda kwokuwanda kwavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vafanomugadzirira igwa duku kuti arege kuzomanikwa nouzhinji hwavanhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaudza vadzidzi vake kuti kagwa kamugarire nokuda kwavazhinji, kuti varege kumutsikirira.
Shona 2009?
Akataura kuvadzidzi vake kuti kachikepe kadiki kamugarire nokuda kwechaunga, zvimwe vangamutsikirira.
Shona SUB 2002 Bible
Akaudza vadzidzi vake kuti igwa rigare nokuda kwavazhinji, kuti varege kumutsikirira.