Mark 4:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋari munzira panokushwa shoko ndiʋo ʋanoti kana ʋanzwa, pakarepo Satani unoʋuya, ndokubvisa shoko rakakushwa mukati maʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vamwe vanhu vakaita setsanga yakawira munzira, munokushwa shoko. Pavanongorinzwa, Satani anouya otora shoko rakushwa mukati mavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vari munzira munokushwa izwi, ndivo vaya vanoti kana vanzwa, pakarepo Satani anouya obvisa izwi rakushwa mavari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vari munzira panokushwa shoko ndivo vanoti kana vanzwa, pakarepo Satani anouya, ndokubvisa shoko rakakushwa mavari.
Shona 2009?
Zvino ava ndivo vari munzira, panokushwa shoko, vanoti kana vanzwa, pakarepo Satani unovuya ndokubvisa shoko rakakushwa mumoyo mavo.
Shona SUB 2002 Bible
Vari munzira panokushwa shoko ndivo vanoti kana vanzwa, pakarepo Satani anouya, ndokubvisa shoko rakakushwa mavari.