Mark 4:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino akati kwaʋari: Cenjerai ɀamunonzwa. Ciyero camunoyera naco, nemi mucayerwa naco; mukawedzerwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaenderera mberi achiti, “Chenjererai kwazvo zvamunonzwa. Nechiyero chamunoshandisa, muchayererwawo uye kunyange zvakawanda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akati kwavari, “Nyatsochenjerai zvamuri kunzwa: chiereso chamunoera nacho, ndicho chamuchaererwawo nacho, uye muchapamidzirwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati kwavari, “Chenjerai zvamunonzwa. Chiero chamunoera nacho, nemi muchaerwa nacho; mukawedzerwa.
Shona 2009?
Zvino wakati kwavari: Chenjererai zvamunonzwa; chiyero chamunoyera nacho muchayerwa nacho, nekwamuri imwi munonzwa, chichawedzerwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati kwavari, “Chenjerai zvamunonzwa. Chiero chamunoera nacho, nemi muchaerwa nacho; mukawedzerwa.