Mark 4:38 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi iye wakaŋga ari mushure megwa aʋete pamutsago; ʋakamumutsa, ʋakati kwaari: Mudzidzisi, hamunehanya kunyaŋge tofa here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akanga ari mushure megwa, avete pamutsago. Vadzidzi vake vakamumutsa vakati kwaari, “Mudzidzisi, hamuna hanya here kana tikanyura?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi iye akanga ari mugwa necheshure akakotsira akatsamira pamutsago. Vadzidzi vake vakumumutsa vachiti kwaari, “Mudzidzisi hamuna hanya here kuti tava kupera?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi iye akanga ari mushure megwa avete pamutsago; vakamumutsa, vakati kwaari, “Mudzidzisi, hamune hanya kuti tofa here?”
Shona 2009?
Asi Iye wakanga ari mushure mechikepe avete pamutsago, vakamumutsa, vakati kwaari: Mudzidzisi, hamunehanya kuti tofa here?
Shona SUB 2002 Bible
Asi iye akanga ari mushure megwa avete pamutsago; vakamumutsa, vakati kwaari, “Mudzidzisi, hamune hanya kuti tofa here?”