Mark 4:39 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akamuka, akaraira mhepo, akati kuguŋgwa: Nyarara, ugadzikane! Mhepo ikanyarara, kudzikama kukuru kukaʋa’po.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akamuka, akarayira mhepo uye akati kumafungu, “Nyarara! Dzikama!” Ipapo mhepo yakapera uye kukadzikama zvikuru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akamuka akakarira dutu achiti kugungwa, “Nyarara! Udzikame!” Dutu rakati zi — i kunyarara, kukabva kwanyatsoti dzikadzika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akamuka, akarayira mhepo, akati kugungwa, “Nyarara, ugadzikame!” Mhepo ikanyarara, kudzikama kukuru kukavapo.
Shona 2009?
Akamuka akatsiura mhepo, akati kugungwa: Nyarara, ugadzikane! Mhepo ikanyarara, kukavapo kudzikama kukuru.
Shona SUB 2002 Bible
Akamuka, akarayira mhepo, akati kugungwa, “Nyarara, ugadzikane!” Mhepo ikanyarara, kudzikama kukuru kukavapo.