Mark 4:41 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakatya nokutya kukuru, ʋakataurirana ʋaciti: Ndianiko uyu, nokuti mhepo kunyaŋge neguŋgwa ɀinomuterera?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakatya uye vakabvunzana vachiti, “Ndianiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ivo vakabatwa nokutya kukuru, ndokutaurirana vachiti, “Ko uyu ndianiko uyu anoteererwa kunyange nemhepo negungwa?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakatya nokutya kukuru, vakataurirana vachiti, “Ndianiko uyu, nokuti mhepo kunyange negungwa zvinomuteerera?”
Shona 2009?
Vakatya nokutya kukuru, vakati mumwe kunomumwe: Munhu rudziiko uyu, kuti kunyange mhepo negungwa zvinomuteerera?
Shona SUB 2002 Bible
Vakatya nokutya kukuru, vakataurirana vachiti, “Ndianiko uyu, nokuti mhepo kunyangwe negungwa zvinomuteerera?”