Mark 4:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Dzimŋe dzakawira muvu rakanaka, dzikaɓereka ɀiɓereko, nokuti dzakakura, dzikawanza; dzikaɓereka makumi matatu, namakumi matanhatu, nezana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye dzimwe dzakawira pavhu rakanaka. Dzakamera dzikakura uye dzikabereka kakapetwa makumi matatu, makumi matanhatu, kana kunyange zana.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dzimwewo dzakandowira muvhu rakanaka dzikamera dzikakura ndokuberekana, dzimwe ndokuita makumi matatu, dzimwe makumi matanhatu dzimwewo zana.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikaita vana, nokuti dzakakura, dzikawanza; dzikabereka makumi matatu, namakumi matanhatu, nezana.”
Shona 2009?
Imwe yakawira muvhu rakanaka; ikabereka zvibereko zvakakura zvikawedzera, ikabereka imwe makumi matatu imwe makumi matanhatu imwe zana.
Shona SUB 2002 Bible
Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikaita vana, nokuti dzakakura, dzikawanza; dzikabereka makumi matatu, namakumi matanhatu, nezana.”