Mark 5:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ikakumbira ɀikuru kwaari, iciti: Titumirei kuŋguruʋe, kuti tindopinda madziri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Madhimoni akakumbirisa kuna Jesu akati, “Titumei henyu pakati penguruve, titenderei henyu kuti tinopinda madziri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mweya iya yakamuteterera ichiti, “Titumirei zvedu munguruve kuti tipinde madziri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ikakumbira zvikuru kwaari, ichiti, “Titumirei kunguruve, kuti tindopinda madziri.”
Shona 2009?
Mweya yakaipa yose ikamukumbira zvikuru ichiti: Titumirei kunguruve kuti tindopinda madziri.
Shona SUB 2002 Bible
Ikakumbira zvikuru kwaari, ichiti, “Titumirei kunguruve, kuti tindopinda madziri.”